Mapisarema 88:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva, nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?

12. Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?

13. Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.

14. Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?

15. Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.

16. Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.

17. Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose.

18. Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

Mapisarema 88