1. Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.
2. Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.
3. Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.
4. Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.
5. Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.
6. Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.
7. Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, makandifukidza namafungu enyu ose. Sera
8. Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo, uye mukandiita chinhu chinonyangadza. Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;
9. meso angu asviba neshungu. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose; ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.