Mapisarema 88:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.

2. Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.

3. Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.

4. Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.

5. Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.

6. Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.

Mapisarema 88