1. Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa, ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.
2. Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu; rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.
3. Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika, uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.
4. Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba; ndava somunhu asina simba.
5. Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa, savakaurayiwa vavete muguva, vamusingacharangaririzve, vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.
6. Makandiisa mugomba rakadzika dzika, murima guru makadzika dzika.