Mapisarema 86:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.

16. Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni; ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.

17. Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu, kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa, nokuti imi, Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.

Mapisarema 86