Mapisarema 85:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha; makadzosera Jakobho nhaka yake.

2. Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera

3. Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.

4. Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.

5. Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi here?

6. Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?

Mapisarema 85