Mapisarema 84:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri, vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.

6. Pavanopfuura nomuMupata weBhaka, vanouita nzvimbo yamatsime; mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.

7. Vanowedzera simba pasimba, kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.

8. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho. Sera

Mapisarema 84