Mapisarema 83:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire.

8. Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera

9. Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia, sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,

10. ivo vakafira paEndori uye vakava sendove pamusoro pevhu.

11. Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi, machinda avo ose saZebha naZarumuna,

12. ivo vakati, “Handei tindotora mafuro aMwari.”

13. Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira, sehundi inodzingwa nemhepo.

14. Somoto unopisa sango kana moto unoririma mugomo,

15. saka vateverei nedutu renyu mugovavhundutsa nomutinhiro wenyu.

16. Fukidzai zviso zvavo nenyadzi kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.

17. Ngavarambe vachinyadziswa uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.

18. Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.

Mapisarema 83