3. Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vomunochengeta zvakanaka.
4. Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.”
5. Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi,
6. matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari,
7. Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire.
8. Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera
9. Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia, sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,
10. ivo vakafira paEndori uye vakava sendove pamusoro pevhu.