Mapisarema 8:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Makamuita muduku zvishoma pazvisikwa zvokudenga, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6. Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7. makwai ose nemombe, nemhuka dzesango,

8. neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

Mapisarema 8