67. Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;
68. asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada.
69. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi.
70. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai;