66. Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi.
67. Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;
68. asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada.
69. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi.
70. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai;
71. akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake.
72. Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.