58. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
59. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.
60. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.
61. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
62. Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.
63. Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;
64. vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.