Mapisarema 78:54-72 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

54. Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.

55. Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.

56. Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake.

57. Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera.

58. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.

59. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.

60. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.

61. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.

62. Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.

63. Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;

64. vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.

65. Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini.

66. Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi.

67. Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;

68. asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada.

69. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi.

70. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai;

71. akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake.

72. Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.

Mapisarema 78