50. Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.
51. Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.
52. Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga.
53. Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo.
54. Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.
55. Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.
56. Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake.
57. Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera.
58. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
59. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.
60. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.
61. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
62. Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.
63. Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;
64. vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.
65. Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini.