Mapisarema 78:49-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

49. Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza.

50. Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.

51. Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.

52. Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga.

53. Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo.

54. Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.

55. Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.

56. Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake.

Mapisarema 78