Mapisarema 78:45-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru.

46. Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu.

47. Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando.

48. Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.

49. Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza.

50. Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.

51. Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.

52. Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga.

53. Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo.

Mapisarema 78