Mapisarema 78:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?”

21. Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri,

22. nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake.

23. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura magonhi okumatenga;

Mapisarema 78