20. Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?”
21. Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri,
22. nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake.
23. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura magonhi okumatenga;