Mapisarema 77:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.

2. Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.

3. Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera

Mapisarema 77