Mapisarema 76:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni.

3. Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera

4. Imi makashongedzwa nechiedza, kupfuura makomo akapfuma nemhuka.

5. Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa, vakavata hope dzavo dzokupedzisira; hakuna mumwe wavarwi angasimudza maoko ake.

6. Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho, zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.

7. Imi moga ndimi munofanira kutyiwa. Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?

8. Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu, uye nyika yakatya ikanyarara,

9. haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge, kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera

10. Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa, uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.

Mapisarema 76