Mapisarema 75:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.

5. Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”

6. Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.

7. Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisumudzira mumwe.

8. Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.

Mapisarema 75