1. Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.
2. Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama.
3. Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera