11. Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze!
12. Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika.
13. Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura.
14. Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga.
15. Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera.
16. Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi.
17. Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando.
18. Rangarirai kuti muvengi akakushorai sei, imi Jehovha, uye kuti mapenzi akamhura sei zita renyu.
19. Regai kuisa upenyu hwenjiva yenyu kumhuka dzesango; regai kukanganwa nokusingaperi upenyu hwavanhu venyu vanonetswa.
20. Ivai nehanya nesungano yenyu, nokuti mweya wokurwisana wazadza nzvimbo dzerima munyika.