Mapisarema 7:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

15. Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera.

16. Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

17. Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake, uye ndichaimbira zita raJehovha woWokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

Mapisarema 7