Mapisarema 7:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

12. Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake nokuhugadzira.

13. Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa.

14. Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

15. Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera.

16. Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

Mapisarema 7