Mapisarema 69:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.

10. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;

11. pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.

12. Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.

13. Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.

Mapisarema 69