9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.
10. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;
11. pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.
12. Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.
13. Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.