Mapisarema 69:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu.

8. Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu;

9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.

10. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;

11. pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.

12. Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.

Mapisarema 69