Mapisarema 69:30-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuvonga.

31. Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe, kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo.

32. Varombo vachazviona uye vachafara, imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame!

33. Jehovha anonzwa vanoshayiwa uye haashori vanhu vake vakatapwa.

Mapisarema 69