Mapisarema 69:25-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.

26. Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.

27. Vapei mhosva pamusoro pemhosva; ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu.

28. Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.

29. Ndiri pakurwadziwa nenhamo; ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire.

30. Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuvonga.

31. Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe, kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo.

32. Varombo vachazviona uye vachafara, imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame!

Mapisarema 69