Mapisarema 63:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.

9. Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi.

10. Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava.

11. Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.

Mapisarema 63