8. Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
9. Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi.
10. Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava.
11. Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.