5. Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.
6. Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi.
7. Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.
8. Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.