Mapisarema 60:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.

3. Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa.

4. Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera

5. Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe.

6. Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti: “Ndichaganhura Shekemu nesimba uye ndichayera Mupata weSukoti.

7. Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu yakasimba, Judha itsvimbo yangu.

Mapisarema 60