1. Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!
2. Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.
3. Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa.
4. Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera
5. Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe.