Mapisarema 60:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu!

2. Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka.

3. Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa.

4. Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera

5. Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe.

Mapisarema 60