Mapisarema 6:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8. Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9. Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10. Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhunduswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Mapisarema 6