Mapisarema 6:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4. Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5. Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6. Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7. Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8. Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9. Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10. Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhunduswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Mapisarema 6