Mapisarema 59:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Mwari anondida achanditungamirira. uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.

11. Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze.

12. Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,

13. vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera

14. Vanodzoka madekwana, vachihon'a sembwa, uye vachinyahwaira muguta.

15. Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta.

Mapisarema 59