Mapisarema 55:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.”

9. Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.

10. Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.

11. Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.

12. Dai ndatukwa nomuvengi, ndaigona kushinga hangu; dai muvengi aindimukira, ndaigona kumuvanda hangu.

Mapisarema 55