Mapisarema 51:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.

2. Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.

3. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.

4. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.

5. Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.

Mapisarema 51