Mapisarema 50:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera

7. “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.

8. Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.

9. Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,

10. nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.

11. Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.

Mapisarema 50