1. Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.
2. Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.
3. Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.
4. Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:
5. “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”
6. Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera