Mapisarema 50:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.

2. Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.

3. Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.

4. Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:

Mapisarema 50