Mapisarema 49:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera

16. Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;

17. nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.

18. Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,

19. achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu.

20. Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa.

Mapisarema 49