Mapisarema 46:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.

10. “Nyararai, uye muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”

11. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

Mapisarema 46