5. Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.
6. Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.
7. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
8. Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika.
9. Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.
10. “Nyararai, uye muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”