Mapisarema 46:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera

4. Pane rwizi ruripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yoWokumusoro-soro.

5. Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.

6. Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.

7. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

8. Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika.

9. Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.

10. “Nyararai, uye muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”

11. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

Mapisarema 46