Mapisarema 45:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri.

15. Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo.

16. Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda panyika yose.

17. Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kumarudzi ose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.

Mapisarema 45