4. “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.
5. Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.
6. Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.
7. “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.
8. Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.
9. Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.