Mapisarema 39:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.

5. Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.

6. Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.

7. “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.

8. Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.

9. Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.

Mapisarema 39