Mapisarema 38:2-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.

3. Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.

4. Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura.

5. Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.

6. Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose.

7. Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano.

8. Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.

9. Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.

10. Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu.

11. Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni.

12. Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri.

Mapisarema 38