Mapisarema 38:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri.

13. Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;

14. ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri.

15. Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.

16. Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”

17. Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.

Mapisarema 38