1. Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu.
2. Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.
3. Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.
4. Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura.
5. Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.
6. Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose.
7. Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano.
8. Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.
9. Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.
10. Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu.
11. Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni.
12. Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri.
13. Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;
14. ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri.
15. Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.