Mapisarema 37:32-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;

33. asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.

34. Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.

35. Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti munyoro pavhu romunyika yawo,

36. asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.

Mapisarema 37